Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 48:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Nokuda kwangu, nokuda kwangu, ndinoita izvi. Ko, ndingaregererei zita rangu richimhurwa? Handingapi kukudzwa kwangu kuno mumwe.

12. “Nditeerere, iwe Jakobho, Israeri, wandakadaidza; ndini iye: ndini wokutanga uye ndini wokupedzisira.

13. Ruoko rwangu ndirwo rwakateya nheyo dzenyika, uye ruoko rwangu rworudyi rwakatambanudza matenga; pandinozvidana, zvose zvinomira pamwe chete.

14. “Unganai pamwe chete, imi mose muteerere; Ndechipiko chimwe chezvifananidzo chakakuudzai kuti zvinhu izvi zvichaitika? Iye anodikanwa naJehovha achaita zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi; ruoko rwake rucharwisa vaBhabhironi.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 48