1. “Buruka, ugare muguruva, iwe Mhandara yeBhabhironi; gara pasi usina chigaro choushe, iwe Mhandara yavaBhabhironi. Hauchazonzi uri munyoro kana munhu akapfava.
2. Tora makuyo ukuye upfu; bvisa vhoiri rako. Fukura nguo dzako, makumbo ako aonekwe, uyambuke hova.
3. Kushama kwako kuchava pachena, uye kunyadzwa kwako kuchaonekwa. Ndichatsiva; handizosiyi munhu.”
4. Mudzikinuri wedu, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake; ndiye Mutsvene waIsraeri.
5. “Gara unyerere, enda murima, Mhandara yavaBhabhironi; hauchazonzi mambokadzi woumambo noumambo.