Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 47:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Buruka, ugare muguruva, iwe Mhandara yeBhabhironi; gara pasi usina chigaro choushe, iwe Mhandara yavaBhabhironi. Hauchazonzi uri munyoro kana munhu akapfava.

2. Tora makuyo ukuye upfu; bvisa vhoiri rako. Fukura nguo dzako, makumbo ako aonekwe, uyambuke hova.

3. Kushama kwako kuchava pachena, uye kunyadzwa kwako kuchaonekwa. Ndichatsiva; handizosiyi munhu.”

4. Mudzikinuri wedu, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake; ndiye Mutsvene waIsraeri.

5. “Gara unyerere, enda murima, Mhandara yavaBhabhironi; hauchazonzi mambokadzi woumambo noumambo.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 47