Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 42:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Tarirai muranda wangu, wandinotsigira, musanangurwa wangu wandinofarira; Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, uye achavigira ndudzi kururamisirwa.

2. Haazodanidziri kana kuridza mhere, kana kusimudza inzwi munzira dzomuguta.

3. Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, uye nomwenje unopfungaira haazoudzimi. Iye, mukutendeka, achavigira vanhu kururamisira;

4. haangakoniwi uye haangaperi simba kusvikira asimbisa kururamisirwa panyika. Zviwi zvichaisa tariro yazvo mumurayiro wake.”

5. Zvanzi naMwari Jehovha, iye akasika matenga akaatatamura, akatambanudza nyika nezvose zvinobuda mairi, anopa kufema kuvanhu vayo, noupenyu kuna avo vanofamba pamusoro payo:

6. “Ini, Jehovha, ndakakudana mukururama; ndichabata ruoko rwako. Ndichakuchengeta ndigokuita kuti uve sungano yavanhu nechiedza kuvaHedheni,

7. kuti usvinudze meso asingaoni, nokusunungura vakasungwa mutorongo uye usunungure vari mugomba, avo vagere murima.

8. “Ndini Jehovha; ndiro zita rangu! handizopi kukudzwa kwangu kuno mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kuzvifananidzo.

9. Tarira, zvinhu zvakare zvaitika, uye ndiri kutaura zvinhu zvitsva; izvo zvisati zvavapo ndinozvizivisa kwamuri.”

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 42