Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 40:17-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Marudzi ose akaita sapasina chinhu pamberi pake; iye anoaona seasina maturo, kunge asipo.

18. Zvino, mungafananidza Mwari naaniko? Ndoupi mufananidzo wamungamuenzanisa nawo?

19. Kana chiri chifananidzo, muumbi anochiumba, mupfuri wegoridhe ochinamira negoridhe, uye anochiitira uketani hwesirivha.

20. Murombo anoshayiwa chipo anosarudza danda risingaori. Anotsvaka mhizha kuti imuvezere chifananidzo chisingazozungunuki.

21. Hamuzivi here? Hamuna kunzwa here? Hamuna kumbozviudzwa kubva pakutanga here? Hamuna kunzwisisa kubva pakuvamba kwenyika here?

22. Anogara samambo pamusoro pedenderedzwa renyika, uye vanhu vayo vakaita semhashu. Anotambanudza matenga setende, agoawaridzira setende kuti agaremo.

23. Anoita kuti machinda ave pasina, uye anoderedza vabati venyika ino kuti vave pasina.

24. Vachangosimwa, vachangodyarwa, vachangodzika midzi muvhu, iye anofuridza pamusoro pavo vachibva vaoma, uye chamupupuri chinovakukura sehundi.

25. “Mungandienzanisa naaniko? kana kuti ndiani akaenzana neni?” ndizvo zvinotaura Iye Mutsvene.

26. Simudzai meso enyu mutarire kumatenga. Ndianiko akasika zvose izvi? Iye anobudisa nyeredzi imwe imwe, achidzidana imwe neimwe nezita rayo. Nokuda kwesimba rake guru uye noukuru hwesimba rake, hapana kana imwe zvayo inoshayikwa.

27. Unoreveiko, iwe Jakobho, unogunun'una chii, iwe Israeri uchiti, “Nzira yangu haizivikanwi naJehovha; Mwari wangu haana hanya nezvandinorwira?”

28. Hauzivi here? Hauna kunzwa here? Jehovha ndiye Mwari nokusingaperi, Musiki wamagumo enyika. Haaneti kana kuziya, uye hakuna angayera kunzwisisa kwake.

29. Anopa simba kuna vakarukutika, uye anowedzera simba kuna vasina simba.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 40