Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 39:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Muprofita akamubvunza achiti, “Vakaoneiko mumuzinda menyu?”Hezekia akati, “Vakaona zvose zviri mumuzinda mangu. Pakati pepfuma yangu hapana chandisina kuvaratidza.”

5. Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, “Inzwa shoko raJehovha Wamasimba Ose:

6. Zvirokwazvo nguva ichauya iyo zvose zviri mumba mako, nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira nhasi, zvichatakurwa zvichiendeswa kuBhabhironi. Hapana chichasara, ndizvo zvinotaura Jehovha.

7. Uye vamwe vavana vako, venyama neropa rako chairo vauchabereka, vachatorwa uye vachava varanda mumuzinda wamambo weBhabhironi.”

8. Hezekia akapindura achiti, “Shoko raJehovha rawataura rakanaka.” Nokuti akafunga kuti, “Pachava norugare nokudzivirirwa pamazuva oupenyu hwangu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 39