Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 38:5-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. “Enda undoti kuna Hezekia, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi: Ndanzwa munyengetero wako uye ndaona misodzi yako; ndichawedzera makore gumi namashanu paupenyu hwako.

6. Uye ndichakurwira iwe neguta rino kubva muruoko rwamambo weAsiria. Ndicharwira guta rino.

7. “ ‘Ichi ndicho chiratidzo chaJehovha kwauri kuti Jehovha achaita zvose zvaakavimbisa:

8. Ndichaita kuti mumvuri waitwa pazuva udzokere shure nhambwe gumi pamutaro wawanga wafamba pamanera aAhazi.’ ” Saizvozvo zuva rakadzokera shure nhambwe gumi dzarakanga radzika.

9. Chinyorwa chaHezekia mambo weJudha mushure mokurwara nokupora kwake:

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 38