16. Ishe, vanhu vanorarama nezvinhu zvakadai; uye mweya wangu unowana upenyu mazviriwo. Makandiporesa mukandiraramisa.
17. Zvirokwazvo kutambudzika kwangu kukuru kwakandivigira rugare. Murudo rwenyu makandirwira pagomba rokuparadzwa; makaisa zvivi zvangu zvose shure kwenyu,
18. Nokuti guva haringagoni kukurumbidzai, rufu harugoni kukurumbidzai nenziyo; vanodzika kugomba havangagoni kutarisira kutendeka kwenyu.
19. Vapenyu, ivo vapenyu, ndivo vanokurumbidzai, sezvandiri kuita iye nhasi; madzibaba anoudza vana vavo nezvokutendeka kwenyu.