Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 34:8-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Nokuti Jehovha ane zuva rokutsiva negore rokuripira kuti atsigire zvinodiwa neZioni.

9. Hova dzeEdhomu dzichashanduka kuva namo, guruva rayo richapisa sesuriferi; nyika yayo ichava namo inopfuta!

10. Haingadzimwi usiku namasikati; utsi hwayo huchakwira nokusingaperi. Richava dongo kubva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe; hapana munhu achazopfuura napozve.

11. Asi zvichava zvezizi romugwenga nehukurwizi; zizi guru negunguo zvichaita matenderemo. Mwari achatambanudzira Edhomu rwodzi rwokuyera, rwenyonganiso nerwokuparadza.

12. Makurukota ake haazovi nechinhu ikoko chingazonzi umambo, machinda ake ose achapera.

13. Minzwa ichatandira nhare dzayo, utumbambeva norukato munzvimbo dzayo dzakakomberedzwa. Ichava ugaro hwamakava, nomusha wamazizi.

14. Zvikara zvomugwenga zvichasangana namapere, uye ngururu dzichadaidzirana; zvikara zvousiku zvichazororapo, uye zvichazviwanira nzvimbo yokuzorora.

15. Zizi richaita dendere rigokandira mazaipo, richaachochonyerapo, rigochengeta mazana aro pasi pomumvuri wamapapiro aro; makondo achaunganapo, rimwe nerimwe neshamwari yaro.

16. Tarirai murugwaro rwaJehovha mugorava: Hapana chimwe chezvinhu izvi chichashayikwa, kana chichashaya shamwari. Nokuti muromo wake ndiwo warayira izvozvo, uye Mweya wake uchavaunganidza pamwe chete.

17. Anozvigovera migove yazvo; ruoko rwake runozvigovera nechiyero. Zvichava zvazvo nokusingaperi uye zvichagaramo kubva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe rudzi.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 34