Munondo waJehovha wakanyura muropa, wakafukidzwa namafuta, iro ropa ramakwayana nerembudzi, namafuta anobva paitsvo dzamakondohwe. Nokuti Jehovha ane chibayiro muBozira uye nokuuraya kukuru muEdhomu.