Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 30:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Vane nhamo vana vakasindimara,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kuna avo vanoita urongwa husati huri hwangu, vanoita sungano, asi vasingaiti noMweya wangu, vachiunganidza chivi pamusoro pechivi;

2. vanoenda kuIjipiti vasina kundibvunza; vanotsvaka rubatsiro rworudziviriro rwaFaro, vanotsvaka utiziro kumumvuri weIjipiti.

3. Asi kudzivirira kwaFaro kuchava kunyadziswa kwenyu, mumvuri weIjipiti uchakuvigirai kunyadziswa,

4. kunyange vaine machinda muZoani uye nhume dzavo dzasvika muHanesi,

5. mumwe nomumwe wavo achanyadziswa nokuda kwavanhu vasina betsero kwavari, vasingavavigiri rubatsiro kana ruyamuro, asi kunyadziswa chete nokuzvidzwa.”

6. Chirevo pamusoro pemhuka dzeNegevhi; nomunyika yenhamo namatambudziko, yeshumba neshumbakadzi, yemvumbi nenyoka dzine hasha uye dzinobhururuka, nhume dzinotakura pfuma yadzo pamusoro pembongoro, noupfumi hwadzo pamusoro penyundwa dzengamera, ndichihuendesa kurudzi rusingabatsiri,

7. kuIjipiti kuno rubatsiro rusina maturo chose. Naizvozvo ndinomutumidza zita rokuti Rahabhi Simbe.

8. Chienda iye zvino, unovanyorera pahwendefa izvozvo, uzvinyore murugwaro, kuti pamazuva anouya chigova chapupu nokusingaperi.

9. Ava ndivo vanhu vakapanduka, vana vokunyengera, vana vasingadi kunzwa kurayira kwaJehovha.

10. Vanoti kuvaoni, “Regai kuonazve zviratidzo!” nokuvaprofita, “Regai kutipazve zviratidzo zvezvakanaka! Tiudzei zvinhu zvinofadza, muprofite zvinonyengera.

11. Siyai nzira iyi, ibvai mugwara iri, murege kuita kuti timisidzane noMutsvene waIsraeri!”

12. Naizvozvo zvanzi noMutsvene waIsraeri, “Nokuti makaramba shoko rangu iri, mukasendamira pakumanikidza uye mukavimba nokunyengera,

13. chivi ichi chichava kwamuri sorusvingo, rwakatsemuka nokufutunuka, runoondomoka pakarepo uye nokukurumidza.

14. Ruchaputsika kuita zvimedu zvimedu sehari, yakaputswa noutsinye zvokuti pakati pezvimedu zvayo hapana kuwanikwa chaenga chakasara, chokugoka mazimbe omoto pachoto kana chokuchera nacho mvura kubva muchitubu.”

15. Zvanzi naIshe Jehovha, Mutsvene waIsraeri, “Mukutendeuka nezororo ndimo mune ruponeso rwenyu, murunyararo nomukuvimba ndimo mune simba renyu, asi imi makaramba chimwe chazvo.

16. Imi makati, ‘Kwete, tichatiza takatasva mabhiza.’ Naizvozvo muchatiza! Imi makati, ‘Tichatasva mabhiza anomhanya kwazvo.’ Naizvozvo vadzinganisi venyu vachamhanya kwazvo!

17. Chiuru chimwe chete chichatiza nokuvhundutsa kwomumwe chete; imi mose muchatiza kuvhundutsa kwavashanu, kusvikira masara maita sedanda romureza riri pamusoro pegomo, kuita somureza pamusoro pechikomo.”

18. Asi Jehovha anoshuva kukuitirai nyasha; anosimuka kuti akuratidzei tsitsi. Nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira. Vakaropafadzwa vose vanomurindira!

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 30