Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 3:13-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Jehovha anotora nzvimbo yake muimba yokutonga; anosimuka kuti atonge vanhu.

14. Jehovha anopinda mukutonga vakuru navatungamiri vavanhu vake achiti, “Ndimi makaparadza munda wangu womuzambiringa; zvakapambwa zvinobva kuvarombo zviri mudzimba dzenyu.

15. Munoreveiko zvamunopwanya vanhu vangu, nokukuya zviso zvavarombo?” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose.

16. Jehovha anoti, “Vakadzi veZioni vanozvikudza, vanofamba vakamisa mitsipa yavo. Vachichonya nameso avo, nokufamba vachinzenzeta, vaine zvishongo zvinorira muzviziso zvamakumbo avo.

17. Naizvozvo Jehovha achauyisa maronda pamisoro yavakadzi veZioni; Jehovha achaitisa misoro yavo mhanza.”

18. Pazuva iro Jehovha achabvisa pazviziso zvamakumbo avo: mabhenguro, nezvishongo zvomusoro, nezvishongo zvomutsipa. zvinon'aima,

19. nemhete dzenzeve, nezvingetani zvomumaoko, namavhoiri

20. nezvishongo zvebvudzi, nezvingetani zvomuzviziso zvamakumbo, nemasikavha, namabhodhoro amafuta anonhuwira, namazango,

21. nemhete, noukomba hwemhino,

22. nenguo dzakanaka dzomutambo, nezvijasi, namakepesi namajasi nezvikwama,

23. nezvionioni, nenguo dzomucheka wakaisvonaka, nezvishongo namashaweri.

24. Pachinzvimbo chezvinonhuwira, pachava nokunhuwa; pachinzvimbo chesikavha, pachava netambo; pachinzvimbo chebvudzi rakashongedzwa zvakanaka, pachava nemhanza; pachinzvimbo chembatya dzakaisvonaka, pachava nechipfeko chesaga; pachinzvimbo chorunako, pachava nokupiswa.

25. Varume venyu vachafa nomunondo, varwi venyu vachafa muhondo.

26. Masuo eZioni achaungudza nokuchema; nokutambura kwavo, achagara pasi.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 3