Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 29:15-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Vane nhamo avo vanovanzira Jehovha mano avo pakadzikadzika, vanoita mabasa avo murima vachifunga mumwoyo yavo kuti, “Ndiani anotiona? Ndiani achaziva?”

16. Munoshandura mamiriro ezvinhu, sezvinonzi muumbi wehari anonzi ndiye ivhu! Ko, chakaumbwa chingati kuna iye akachiumba, “Iye haana kundiita?” Ko, hari ingati kumuumbi, “Iye haana chanoziva?”

17. Ko, Rebhanoni haingashandurwi ikava munda wakaorera muchinguva chidiki, uye munda wakaorera ugoita kunge dondo?

18. Pazuva iro vanamati vachanzwa shoko rorugwaro, uye meso amapofu achaona ari pakasviba naparima.

19. Zvakare vanozvininipisa vachafara muna Jehovha; vanoshayiwa vachafara muMutsvene waIsraeri.

20. Vane utsinye vachaparadzwa, vaseki vachanyangarika, uye vose vane ziso rinofarira zvakaipa vachaurayiwa,

21. avo vanopomera munhu mhosva neshoko chete, vanoisira musungo kuna anoruramisira mudare, uye nouchapupu hwenhema, vanokonesa kururamisirwa kwavasina mhosva.

22. Naizvozvo izvi ndizvo zvinotaura Jehovha, akadzikinura Abhurahama, achiti kuimba yaJakobho,“Jakobho haachazonyadziswizve; zviso zvavo hazvichazochenuruki.

23. Pavachaona vana vavo pakati pavo, iro basa ramaoko angu, vachachengeta zita rangu muutsvene; vachaziva utsvene hwoMutsvene waJakobho, uye vachamira vachitya Mwari waIsraeri.

24. Vakarasika pamweya vachawana njere; vanonyunyuta vachagamuchira kurayirwa.”

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 29