Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 28:6-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Iye achava mweya wokururamisira kuna iye anogara pakutonga, chitubu chesimba kuna avo vanodzosera shure vanorwa pasuo.

7. Ivavawo vanodzedzereka newaini uye vanozengaira nedoro: Vaprista navaprofita vanodzedzereka nedoro, uye vanonyonganiswa newaini; vanozengaira nedoro, vanodzedzereka pavanoona zviratidzo, vanogumburwa pakutonga.

8. Tafura dzose dzazara marutsi uye hapachina nzvimbo isina tsvina.

9. “Ndianiko waachadzidzisa ruzivo? Ndianiko waanotsanangurira shoko? Kuvana vakarumurwa pamukaka, kuna avo vachangobva pazamu here?

10. Nokuti zvinoti: Chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, mutsara pamusoro pomutsara, mutsara pamusoro pomutsara, apa zvishoma, apo zvishoma.”

11. Zvirokwazvo, Mwari achataura kurudzi urwu nemitauro yavatorwa, nendimi dzokumwe,

12. kwavari akati, “Iyi ndiyo nzvimbo yokuzorora, vakaneta ngavazorore,” uye, “Iyi ndiyo nzvimbo yorunyararo,” asi havana kumboteerera.

13. Saka zvino, shoko raJehovha kwavari richava: Chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, mutsara pamusoro pomutsara, mutsara pamusoro pomutsara, apa zvishoma, apo zvishoma, kuitira kuti vaende vagondowa, vavhunike, vabatwe nomusungo vagotapwa.

14. Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, imi vaseki, imi vanotonga rudzi urwu muJerusarema.

15. Munozvirumbidza muchiti, “Takaita sungano norufu, takatenderana neguva. Shamhu inokukura painouya, haizotibati, nokuti nhema takadziita utiziro hwedu, uye kunyengera takakuita nzvimbo yedu yokuvanda.”

16. Saka zvanzi naJehovha Wamasimba Ose,“Tarirai ndinoisa ibwe muZioni, ibwe rakaedzwa, ibwe rinokosha rapakona kuti rive nheyo yakasimba; anovimba naro haangavhunduki.

17. Ndichaita kuti kururamisira kuve rwodzi rwokuera, uye kururama ndichakuita chokururamisa nacho; chimvuramabwe chichakukura utiziro hwenyu, idzo nhema, uye mvura ichafukidza nzvimbo yenyu yokuvanda.

18. Sungano yenyu norufu ichadzimwa; chitenderano chenyu neguva hachingamiri. Shamhu inokukura painouya, muchakundwa nayo.

19. Nguva nenguva painouya ichakutakurai ichikuendesai kure; mangwanani achitevera mamwe mangwanani, panguva dzamasikati nenguva dzousiku, ichakukura.”Kunzwisisa shoko iri kuchauyisa kutya.

20. Nokuti mubhedha uchava mupfupi pakutandavara, uye jira richava diki zvokuti munhu haangagoni kufukidzwa naro.

21. Nokuti Jehovha achasimuka sezvaakaita paGomo rePerazimi, achatsamwa sezvaakaita muMupata weGibheoni, kuti aite basa rake, iro basa risinganzwisisiki, uye azadzise basa rake, basa risinganzwisisiki.

22. Zvino chiregai kudada kwenyu, nokuti ngetani dzenyu dzichanyanya kukuremerai; Ishe, iye Jehovha Wamasimba Ose, andiudza pamusoro pokuparadzwa kwakatemwa pamusoro penyika yose.

23. Teererai uye munzwe inzwi rangu; rerekai nzeve dzenyu munzwe zvandinoreva.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 28