Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 28:5-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Pazuva iro Jehovha Wamasimba Ose achava korona inobwinya, chishongo chakanaka chavanhu vake vakasara.

6. Iye achava mweya wokururamisira kuna iye anogara pakutonga, chitubu chesimba kuna avo vanodzosera shure vanorwa pasuo.

7. Ivavawo vanodzedzereka newaini uye vanozengaira nedoro: Vaprista navaprofita vanodzedzereka nedoro, uye vanonyonganiswa newaini; vanozengaira nedoro, vanodzedzereka pavanoona zviratidzo, vanogumburwa pakutonga.

8. Tafura dzose dzazara marutsi uye hapachina nzvimbo isina tsvina.

9. “Ndianiko waachadzidzisa ruzivo? Ndianiko waanotsanangurira shoko? Kuvana vakarumurwa pamukaka, kuna avo vachangobva pazamu here?

10. Nokuti zvinoti: Chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, mutsara pamusoro pomutsara, mutsara pamusoro pomutsara, apa zvishoma, apo zvishoma.”

11. Zvirokwazvo, Mwari achataura kurudzi urwu nemitauro yavatorwa, nendimi dzokumwe,

12. kwavari akati, “Iyi ndiyo nzvimbo yokuzorora, vakaneta ngavazorore,” uye, “Iyi ndiyo nzvimbo yorunyararo,” asi havana kumboteerera.

13. Saka zvino, shoko raJehovha kwavari richava: Chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, mutsara pamusoro pomutsara, mutsara pamusoro pomutsara, apa zvishoma, apo zvishoma, kuitira kuti vaende vagondowa, vavhunike, vabatwe nomusungo vagotapwa.

14. Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, imi vaseki, imi vanotonga rudzi urwu muJerusarema.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 28