Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 28:14-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, imi vaseki, imi vanotonga rudzi urwu muJerusarema.

15. Munozvirumbidza muchiti, “Takaita sungano norufu, takatenderana neguva. Shamhu inokukura painouya, haizotibati, nokuti nhema takadziita utiziro hwedu, uye kunyengera takakuita nzvimbo yedu yokuvanda.”

16. Saka zvanzi naJehovha Wamasimba Ose,“Tarirai ndinoisa ibwe muZioni, ibwe rakaedzwa, ibwe rinokosha rapakona kuti rive nheyo yakasimba; anovimba naro haangavhunduki.

17. Ndichaita kuti kururamisira kuve rwodzi rwokuera, uye kururama ndichakuita chokururamisa nacho; chimvuramabwe chichakukura utiziro hwenyu, idzo nhema, uye mvura ichafukidza nzvimbo yenyu yokuvanda.

18. Sungano yenyu norufu ichadzimwa; chitenderano chenyu neguva hachingamiri. Shamhu inokukura painouya, muchakundwa nayo.

19. Nguva nenguva painouya ichakutakurai ichikuendesai kure; mangwanani achitevera mamwe mangwanani, panguva dzamasikati nenguva dzousiku, ichakukura.”Kunzwisisa shoko iri kuchauyisa kutya.

20. Nokuti mubhedha uchava mupfupi pakutandavara, uye jira richava diki zvokuti munhu haangagoni kufukidzwa naro.

21. Nokuti Jehovha achasimuka sezvaakaita paGomo rePerazimi, achatsamwa sezvaakaita muMupata weGibheoni, kuti aite basa rake, iro basa risinganzwisisiki, uye azadzise basa rake, basa risinganzwisisiki.

22. Zvino chiregai kudada kwenyu, nokuti ngetani dzenyu dzichanyanya kukuremerai; Ishe, iye Jehovha Wamasimba Ose, andiudza pamusoro pokuparadzwa kwakatemwa pamusoro penyika yose.

23. Teererai uye munzwe inzwi rangu; rerekai nzeve dzenyu munzwe zvandinoreva.

24. Murimi paanorimira kuti agodyara, anoramba achingorima here? Ko, anoramba achingorima kana kuhara here?

25. Paanoenzanisa munda wake kuti uti chechetere, haangadyari karawe uye agokusha kumini here? Haangadyari gorosi munzvimbo yaro, nebhari mumunda wayo, nesipereti mumunda wayo here?

26. Nokuti Mwari wake anomurairidza nokumudzidzisa nzira yakanaka.

27. Karawe haipurwi nechireyi, uye vhiri rengoro harikunguruswi pamusoro pekumini; karawe inopurwa nemhuro uye kumini inopurwa norumuti.

28. Zviyo zvinofanira kukuyiwa kuti zviitiswe chingwa; saka munhu haafaniri kuramba achingopura nokusingaperi. Kunyange achifambisa mavhiri engoro yake yokupura pamusoro pazvo, mabhiza ake haazvikuyi.

29. Izvi zvose zvinobvawo kuna Jehovha Wamasimba Ose, anoshamisa mukurayira uye mukuru kwazvo muuchenjeri.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 28