Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 27:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pazuva iro,Jehovha acharanga nomunondo wake, iwo munondo wake mukuru une simba uye unotyisa, Revhiatani nyoka inokurumidza, Revhiatani nyoka inogonyana; achauraya chikara chomugungwa.

2. Pazuva iro,“Imbai nezvomuzambiringa unobereka:

3. Ini Jehovha ndini ndinouchengeta; ndinoramba ndichiudiridzira. Ndinourinda masikati nousiku kuitira kuti parege kuva neanoukanganisa.

4. Handina kutsamwa Dai paingova nerukato neminzwa zvinorwa neni! Ndaienda kundorwa nazvo; ndaizvipisa zvose nomoto.

5. Kana kuti ngazviuye zvizovanda kwandiri; ngazviyanane neni, hongu, ngazviyanane neni.”

6. Mumazuva anouya, Jakobho achadzika midzi, Israeri achabukira uye achatunga maruva, agozadza nyika yose nomuchero,

7. Ko, Jehovha akamurova here sezvaanorova avo vakamurova? Akaurayiwa here sokuurayiwa kwakaitwa avo vakamuuraya?

8. Muhondo makarwa naye mukamudzinga, nokurwisa kwake kunotyisa akamudzinga, kufanana pazuva rinovhuvhuta mhepo yokumabvazuva.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 27