Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 23:4-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Nyara, iwe Sidhoni, uye newe nhare yegungwa, nokuti gungwa rataura richiti, “Handina kumborwadziwa kana kubereka; handina kumborera vanakomana kana kukurisa vanasikana.”

5. Panosvika shoko kuIjipiti, vacharwadziwa pamusoro peshoko rinobva kuTire.

6. Yambukirai kuTashishi; ungudzai, imi vanhu vagere pachiwi.

7. Ko, iri ndiro guta renyu ramafaro here, guta rakare kare, rakaendeswa kure kure netsoka dzaro kundogara kunyika iri kure?

8. Ndianiko akarongera Tire izvozvi, iro raipa korona, vatengesi varo vari machinda, vashambadziri varo vanokudzwa munyika?

9. Jehovha Wamasimba Ose akaronga izvozvo, kuti adzikise kuzvikudza nembiri yose, uye kuti aninipise vose vanokudzwa panyika.

10. Rima nyika yako sezvinoitwa mujinga meNairi, iwe mwanasikana weTashishi, nokuti hauchina panomira zvikepe.

11. Jehovha akatambanudza ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye akaita kuti ushe hwaro hudedere. Iye akapa murayiro pamusoro peKenani, kuti nhare dzayo dziparadzwe.

12. Iye akati, “Mafaro ako haachazovapozve, iwe mhandara yeSidhoni, yaparadzwa! Simuka uyambukire kuSaipurasi; Kunyange naikoko haundowani zororo.”

13. Tarira nyika yavaBhabhironi, rudzi urwo haruchaverengwi zvino! VaAsiria vakaiita nzvimbo yemhuka dzerenje; vakamisa shongwe dzavo dzokurwa, vakakoromora nhare dzaro dzikava pasina, uye vakarishandura rikava dongo.

14. Ungudzai, imi zvikepe zveTashishi; nhare yenyu yaparadzwa!

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 23