Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 23:13-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Tarira nyika yavaBhabhironi, rudzi urwo haruchaverengwi zvino! VaAsiria vakaiita nzvimbo yemhuka dzerenje; vakamisa shongwe dzavo dzokurwa, vakakoromora nhare dzaro dzikava pasina, uye vakarishandura rikava dongo.

14. Ungudzai, imi zvikepe zveTashishi; nhare yenyu yaparadzwa!

15. Panguva iyoyo Tire ichakanganwikwa kwamakore makumi manomwe, zvakaenzana namakore oupenyu hwamambo. Asi shure kwamakore makumi manomwe aya, Tire richaitirwa sezvinoimbwa rwiyo rwechifeve runoti:

16. “Tora rudimbwa, ufambe nomuguta, iwe chifeve chakakanganikwa; ridza rudimbwa zvakanaka, imba nziyo zhinji, kuitira kuti ugorangarirwa.”

17. Panopera makore makumi manomwe, Jehovha achashanyira Tire. Richadzoerazve kubasa raro sechifeve rigofeva noushe hwose huri pamusoro penyika.

18. Asi zvarakashambadzira uye nomubayiro waro zvichatsaurirwa Jehovha; hazvingachengetwi kana kuvigwa. Zvarakashambadzira zvichaendeswa kuna avo vanogara pamberi paJehovha, kuti vave nezvokudya zvakawanda nenhumbi dzakanaka.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 23