Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 23:12-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Iye akati, “Mafaro ako haachazovapozve, iwe mhandara yeSidhoni, yaparadzwa! Simuka uyambukire kuSaipurasi; Kunyange naikoko haundowani zororo.”

13. Tarira nyika yavaBhabhironi, rudzi urwo haruchaverengwi zvino! VaAsiria vakaiita nzvimbo yemhuka dzerenje; vakamisa shongwe dzavo dzokurwa, vakakoromora nhare dzaro dzikava pasina, uye vakarishandura rikava dongo.

14. Ungudzai, imi zvikepe zveTashishi; nhare yenyu yaparadzwa!

15. Panguva iyoyo Tire ichakanganwikwa kwamakore makumi manomwe, zvakaenzana namakore oupenyu hwamambo. Asi shure kwamakore makumi manomwe aya, Tire richaitirwa sezvinoimbwa rwiyo rwechifeve runoti:

16. “Tora rudimbwa, ufambe nomuguta, iwe chifeve chakakanganikwa; ridza rudimbwa zvakanaka, imba nziyo zhinji, kuitira kuti ugorangarirwa.”

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 23