Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 22:6-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Eramu anotora goba, pamwe chete navatasvi vamabhiza nengoro; Kiri anofudugura nhoo.

7. Mipata yako yakaisvonaka yakazara nengoro, uye vatasvi vamabhiza vakaiswa pamasuo eguta;

8. kudzivirirwa kweJudha kwakabviswa.Uye pazuva iro makatarira, kuzvombo muMuzinda weSango;

9. makaona kuti Guta raDhavhidhi raiva napakakoromoka pakawanda munzvimbo dzokudzivirira; makazvichengetera mvura muDziva reZasi.

10. Makaverenga dzimba muJerusarema, mukaondomora dzimba kuti musimbise rusvingo.

11. Makavaka gungwa pakati pamasvingo maviri, kuti muchingidzire mvura yomudziva rakare, asi hamuna kutarira kuna Iye akariita, kana kuva nehanya naIye akazvironga kare.

12. Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, akakudaidzai pazuva iro kuti mucheme uye muungudze, kuti mudzure bvudzi renyu uye mufuge masaga.

13. Asi tarirai, kune mufaro nokupembera, kubayiwa kwemombe nokuurayiwa kwamakwai, kudyiwa kwenyama nokunwiwa kwewaini! munoti, “Ngatidyei uye tinwe, nokuti mangwana tichafa!”

14. Jehovha Wamasimba Ose akazivisa izvi munzeve dzangu achiti, “Kusvikira pazuva rokufa kwako, chivi ichi hachizokanganwirwi,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose.

15. Zvanzi naIshe, Jehovha Wamasimba Ose,“Enda, undoti kumutariri uyu, kuna Shebhina, mutariri womuzinda, uti kwaari:

16. Uri kuitei pano uye ndiani akakupa mvumo yokuti uzvicherere rinda pano, uchizvivezera rinda rako pakakwirira nokuzvivezera nzvimbo yako yokuzorora mudombo?

17. “Hokoyo, Jehovha ava kuda kukuti dzvi, agokurasira kure, iwe murume wesimba.

18. Achakupomba-pomba sebhora agokukanda munyika yakakura. Ndimo mauchafira, uye ngoro dzako dzine mbiri dzichasara imomo, iwe wokunyadzisa imba yatenzi wako!

19. Ndichakudzinga pabasa rako, uye uchatandaniswa panzvimbo yako.

20. “Pazuva iro ndichadana muranda wangu, Eriakimi mwanakomana waHirikia.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 22