Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 22:19-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Ndichakudzinga pabasa rako, uye uchatandaniswa panzvimbo yako.

20. “Pazuva iro ndichadana muranda wangu, Eriakimi mwanakomana waHirikia.

21. Ndichamupfekedza nguo yako ndigomusimbisa nebhanire rako uye ndigoisa masimba ako pamusoro pake. Achava baba kuna vagere muJerusarema nokuimba yaJudha.

22. Ndichaisa papfudzi rake kiyi yeimba yaDhavhidhi; chaanenge azarura hapana angapfiga, uye chaanenge apfiga hapana angazarura.

23. Ndichamuroverera sembambo panzvimbo yakasimba; achava chigaro chinokudzwa paimba yababa vake.

24. Mbiri yeimba yababa vake ichaturikwa paari; matavi namabukira, nemidziyo midiki yose, kubva pamikombe kusvikira pamakate ose.

25. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “mbambo yakarovererwa panzvimbo yakasimba ichabva; ichatemwa igowisirwa pasi, uye mutoro wakarembera pauri uchatemerwa pasi.” Jehovha ataura izvozvo.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 22