Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 22:11-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Makavaka gungwa pakati pamasvingo maviri, kuti muchingidzire mvura yomudziva rakare, asi hamuna kutarira kuna Iye akariita, kana kuva nehanya naIye akazvironga kare.

12. Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, akakudaidzai pazuva iro kuti mucheme uye muungudze, kuti mudzure bvudzi renyu uye mufuge masaga.

13. Asi tarirai, kune mufaro nokupembera, kubayiwa kwemombe nokuurayiwa kwamakwai, kudyiwa kwenyama nokunwiwa kwewaini! munoti, “Ngatidyei uye tinwe, nokuti mangwana tichafa!”

14. Jehovha Wamasimba Ose akazivisa izvi munzeve dzangu achiti, “Kusvikira pazuva rokufa kwako, chivi ichi hachizokanganwirwi,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose.

15. Zvanzi naIshe, Jehovha Wamasimba Ose,“Enda, undoti kumutariri uyu, kuna Shebhina, mutariri womuzinda, uti kwaari:

16. Uri kuitei pano uye ndiani akakupa mvumo yokuti uzvicherere rinda pano, uchizvivezera rinda rako pakakwirira nokuzvivezera nzvimbo yako yokuzorora mudombo?

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 22