Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 21:5-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Vanogadzira matafura, vanowaridza micheka pasi, vanodya, vanonwa! Simukai, imi machinda, zadzai nhoo!

6. Zvanzi naIshe kwandiri, “Endai, mundogadza nharirire uye muite kuti azivise zvaanoona.

7. Kana achiona ngoro namapoka amabhiza, navatasvi vari pamusoro pembongoro kana vatasvi vari pamusoro pengamera, ngaave akachenjera, akachenjera zvizere.”

8. Ipapo nharirire yakadanidzira ichiti, “Zuva nezuva, tenzi wangu, ndinomira pamusoro penharire; usiku hwoga hwoga ndinogara panzvimbo yangu.

9. Tarirai, hoyo murume ari kuuya ari mungoro neboka ramabhiza. Uye anopa mhinduro achiti, ‘Bhabhironi rawa, rawa! Zvifananidzo zvose zvavamwari varo zvaputsirwa pasi!’ ”

10. Haiwa, vanhu vangu vapwanyirwa paburiro, ndinokuudzai zvandanzwa kuna Jehovha Wamasimba Ose, kuna Mwari waIsraeri.

11. Chirevo pamusoro peDhuma:Mumwe anodana kwandiri ari kuSeiri, achiti,“Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?”

12. Nharirire inopindura ichiti,“Mambakwedza achauya, asi nousikuwo.Zvino kana uchida kubvunza, bvunza; uye ugodzokazve.”

13. Chirevo pamusoro peArabhia:Imi ngoro dzavaDhedhani, munodzika misasa mumatenhere eArabhia,

14. vigirai vane nyota mvura; imi munogara muTema, uyai nezvokudya zvavanotiza.

15. Vari kutiza munondo, kubva kumunondo wavhomorwa, nokuuta hwawemburwa, uye nokupisa kwehondo.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 21