Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 2:4-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Iye achatonga pakati pendudzi nokupedzera marudzi mazhinji gakava. Vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti. Rudzi rumwe harungazosimudziri munondo kuno rumwe rudzi, kana kuzodzidzirazve kurwa.

5. Uyai, imi imba yaJakobho, ngatifambei muchiedza chaJehovha.

6. Nokuti makasiya vanhu venyu, ivo imba yaJakobho. Vakazara nezvinamato zvokuMabvazuva; vanoita zvokuvuka kufanana navaFiristia, vachibatana maoko navahedheni.

7. Nyika yavo izere nesirivha negoridhe; pfuma yavo haiperi. Nyika yavo izere namabhiza; ngoro dzavo hadziperi.

8. Nyika yavo izere nezvifananidzo; vanopfugamira mabasa amaoko avo, kuzvinhu zvakaitwa neminwe yavo.

9. Naizvozvo munhu achaderedzwa uye marudzi avanhu achaninipiswa, musavakanganwira.

10. Pinda mumapako, uvande muguruva, ubve mukutyisa kwaJehovha nokubwinya kwoumambo hwake!

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 2