Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 2:18-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. uye zvifananidzo zvichapera zvachose.

19. Vanhu vachatizira kumapako amatombo, nokumwena yapasi nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokubwinya kwoumambo hwake, paanosimuka achizungunutsa nyika.

20. Pazuva iro vanhu vacharasira kumakonzo nokuzviremwaremwa, zvifananidzo zvavo zvesirivha nezvifananidzo zvegoridhe, zvavakaita kuti vazvinamate.

21. Vachatizira kumapako amatombo nokumikaha yakarembera, nokuda kwokutya Jehovha, uye nokubwinya kwoumambo hwake, paanosimuka kuti azungunutse nyika.

22. Regai kuvimba nomunhu, anongova nokufema mumhino dzake. Anobatsireiko?

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 2