Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 18:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ine nhamo nyika yokutinhira kwamapapiro inotevedza nzizi dzeEtiopia,

2. inotuma nhume nenzira yomugungwa, muzvikepe zvenhokwe pamusoro pemvura. Endai, imi nhume dzinokurumidza, kuvanhu vakareba uye vane ganda rinotsvedzerera, kuvanhu vanotyiwa kure napedyo, rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki, rune nyika yakakamurwa nenzizi.

3. Imi mose muri pasi pose, imi munogara panyika, kana mureza wasimudzwa pamusoro pamakomo, muchauona, uye kana hwamanda yarira, muchainzwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 18