Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 15:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Mwoyo wangu unodanidzira pamusoro peMoabhu; vatizi varo vanotiza kusvikira kuZoari, kusvikira kuEgirati-Sherishiya. Vanokwidza nenzira yokuRuhiti, vanofamba vachichema, munzira yokuHoranaimi vanochema kuparadzwa kwavo.

6. Mvura yokuNimirimi yakapwa uye uswa hwaoma; bumhudza rapera uye hapachina chakasvibirira chakasara.

7. Saka pfuma yavakawana neyavakaunganidza vanoiyambutsira mhiri kworukova rwemikonachando.

8. Kudanidzira kwavo kwaita maungira kuchitevedza muganhu weMoabhu; kuungudza kwavo kunosvikira kuEgiraimi, kurira kwavo kunosvikira kuBheeri Erimi.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 15