Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 14:5-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Jehovha akavhuna tsvimbo yavakaipa netsvimbo yamadzimambo,

6. yaakarova nayo marudzi mukutsamwa nokurova kusingaperi, uye akakunda ndudzi nehasha nokurwisa kusingaperi.

7. Nyika dzose dzazorora uye dzava norugare; votanga kufara nokuimba.

8. Kunyange nemiti yemisipuresi nemisidhari yokuRebhanoni inofara pamusoro pako ichiti, “Zvino zvawaparadzwa, hakuna varume vanotsvaka huni vachauya kuzotitema.”

9. Pasi, iro guva razungunuka kuti rinangane newe pakuuya kwako; riri kumutsa mweya yavakaenda kuti izokukwazisai, vose vakaenda vari vatungamiri munyika; rinoita kuti vasimuke pazvigaro zvavo zvoushe, vose vakanga vari madzimambo endudzi.

10. Vose vachapindura, vachati kwauri, “Newewo hauchisina simba, sesu; wangofanana nesu.”

11. Kuzvikudza kwako kwose kwaderedzwa kusvika muguva, pamwe chete nokurira kworudimbwa rwako; honye dzawarirwa pasi pako uye makonye anokufukidza.

12. Haiwa, wawa seiko, uchibva kudenga, iwe nyamasase yamangwanani, mwanakomana wamambakwedza! Wakakandwa panyika, iyewe wakambowisira ndudzi pasi!

13. Wakati mumwoyo mako, “Ndichakwira kudenga; ndichasimudzira chigaro changu choushe pamusoro penyeredzi dzaMwari; ndichagara pachigaro changu choushe pagomo reungano, pamusoro pegomo dzvene.

14. Ndichakwira pamusorosoro pamakore; ndichazviita soWokumusoro-soro.”

15. Asi waderedzwa kusvika kuguva, kwakadzikadzika kwegomba.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 14