Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 14:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha achanzwira Jakobho tsitsi; achasarudza Israeri zvakare uye achavagarisa munyika yavo. Vatorwa vachabatana navo vachanamatirana neimba yaJakobho.

2. Ndudzi dzichavatora dzigovadzosera kunzvimbo yavo chaiyo. Uye imba yaIsraeri ichatora ndudzi kuti vave varandarume navarandakadzi munyika yaJehovha. Vachaita nhapwa vaya vaimbova vatapi vavo, uye vachabata ushe pamusoro pavaya vaimbova vamanikidzi vavo.

3. Pazuva ramuchapiwa rusununguko naJehovha kubva pakutambudzika, nokusagadzikana, nokubatwa noutsinye,

4. uchasveeredza mambo weBhabhironi uchiti:Haiwa, mumanikidzi apera sei! Haiwa, hasha dzake dzapera sei!

5. Jehovha akavhuna tsvimbo yavakaipa netsvimbo yamadzimambo,

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 14