Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 14:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha achanzwira Jakobho tsitsi; achasarudza Israeri zvakare uye achavagarisa munyika yavo. Vatorwa vachabatana navo vachanamatirana neimba yaJakobho.

2. Ndudzi dzichavatora dzigovadzosera kunzvimbo yavo chaiyo. Uye imba yaIsraeri ichatora ndudzi kuti vave varandarume navarandakadzi munyika yaJehovha. Vachaita nhapwa vaya vaimbova vatapi vavo, uye vachabata ushe pamusoro pavaya vaimbova vamanikidzi vavo.

3. Pazuva ramuchapiwa rusununguko naJehovha kubva pakutambudzika, nokusagadzikana, nokubatwa noutsinye,

4. uchasveeredza mambo weBhabhironi uchiti:Haiwa, mumanikidzi apera sei! Haiwa, hasha dzake dzapera sei!

5. Jehovha akavhuna tsvimbo yavakaipa netsvimbo yamadzimambo,

6. yaakarova nayo marudzi mukutsamwa nokurova kusingaperi, uye akakunda ndudzi nehasha nokurwisa kusingaperi.

7. Nyika dzose dzazorora uye dzava norugare; votanga kufara nokuimba.

8. Kunyange nemiti yemisipuresi nemisidhari yokuRebhanoni inofara pamusoro pako ichiti, “Zvino zvawaparadzwa, hakuna varume vanotsvaka huni vachauya kuzotitema.”

9. Pasi, iro guva razungunuka kuti rinangane newe pakuuya kwako; riri kumutsa mweya yavakaenda kuti izokukwazisai, vose vakaenda vari vatungamiri munyika; rinoita kuti vasimuke pazvigaro zvavo zvoushe, vose vakanga vari madzimambo endudzi.

10. Vose vachapindura, vachati kwauri, “Newewo hauchisina simba, sesu; wangofanana nesu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 14