Pazuva iro Jehovha achatambanudza ruoko rwake kechipiri kuti adzorezve vakasara ivo vanhu vake vakasiyiwa kubva kuAsiria, kubva zasi kweIjipiti, nokubva kumusoro kweIjipiti nokubva kuEtiopia, nokubva kuEramu, nokubva kuBhabhironi, nokuHamati uye nokubva kuzviwi zvegungwa.