Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 1:20-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. asi kana muchiramba uye muchindimukira, muchaparadzwa nomunondo.” Nokuti muromo waJehovha wazvitaura.

21. Tarirai guta rakatendeka rava chifeve sei! Iro rakanga rizere nokururamisira; kururama kwaigara mariri, asi zvino mogara mhondi!

22. Sirivha yako yava nengura, waini yako yakavhenganiswa nemvura.

23. Machinda ako vapanduki, ishamwari dzembavha; vose vanoda fufuro, uye vanomhanyira zvipo. Havana hanya nokudzivirira nherera; mhaka yechirikadzi haiuyiswi pamberi pavo.

24. Naizvozvo Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, Anesimba waIsraeri, anotaura achiti, “Haiwa, ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavadzivisi vangu, nokuzvitsivira vavengi vangu.

25. Ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri; ndichapedza chose ngura yako ndigobvisa kusachena kwako kwose.

26. Ndichadzosera vatongi vako samazuva akare, namachinda ako samazuva okutanga. Shure kwaizvozvo uchanzi Guta Rokururama, Guta Rakatendeka.”

27. Zioni richadzikinurwa nokururamiswa, navanotendeuka varo, nokururama.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 1