Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Hosea 9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Israeri inorangwa

1. Rega kufara, iwe Israeri; rega kupembera sezvinoita dzimwe ndudzi. Nokuti hauna kunge wakatendeka kuna Mwari wako; unofarira mubayiro wechifeve, pamapuriro ose.

2. Mapuriro nezvisviniro zvewaini hazvingagutsi vanhu. Waini itsva ichavanyengera.

3. Havangarambi vari munyika yaJehovha; Efuremu achadzokera kuIjipiti agodya zvokudya zvakasvibiswa muAsiria.

4. Havangadiri zvipiriso zvewaini kuna Jehovha, uye zvibayiro zvavo hazvingamufadzi. Zvibayiro zvakadai zvichava kwavari sechingwa chavanochema; vose vanozvidya vachava vakasvibiswa. Zvokudya izvi zvichava zvavo; hazvingaunzwi mutemberi yaJehovha.

5. Muchaiteiko pazuva rakatarwa remitambo yenyu, pamazuva emitambo yaJehovha?

6. Kunyange dai vakapukunyuka kubva pakuparadzwa, Ijipiti ichavaunganidza, uye Memufisi ichavaviga. Matura avo esirivha achafukidzwa norukato, uye minzwa ichamera mumatende avo.

7. Mazuva okurangwa ari kuuya, mazuva okutsiva ava pedyo. Israeri ngaazvizive izvi. Nokuti zvivi zvako zvizhinji kwazvo uye ukasha hwako hwakakura kwazvo. Muprofita anoonekwa sebenzi, nomurume ano mweya somunhu anopenga.

8. Muprofita, pamwe naMwari wangu, ndiye nharirire yaEfuremu, asi zvakadaro misungo yakamumirira panzira dzake dzose, uye ruvengo muimba yaMwari wake.

9. Vanyura kwazvo kwazvo muuori, sapamazuva eGibhea. Mwari acharangarira uipi hwavo uye achavaranga nokuda kwezvivi zvavo.

10. “Pandakawana Israeri, zvakanga zvakafanana nokuwana mazambiringa murenje; pandakaona madzibaba enyu, zvakanga zvakaita sokuona zvibereko zvokutanga pamuti womuonde. Asi pavakauya kuBhaari Peori, vakazvitsaura kuti vazviise kuchiumbwa ichocho chinonyadzisa, vakava vasina maturo uye vakafanana nechinhu chavakada.

11. Kukudzwa kwaEfuremu kuchabhururuka seshiri, pasina kubereka, pasina pamuviri, pasina kubata pamuviri.

12. Kunyange zvavo vakarera vana, ndichavauraya vose mumwe nomumwe. Vachava nenhamo pandichavafuratira!

13. Ndakaona Efuremu, seTire, akasimwa panzvimbo yakanaka. Asi Efuremu achabudisa vana vake kumuurayi.

14. Vapei, imi Jehovha, zvino muchavapeiko? Vapei zvibereko zvinopfupfudzika namazamu akaoma.

15. “Nokuda kwouipi hwavo hwose muGirigari, ndakavavenga ikoko. Nokuda kwamabasa avo akaipa, ndichavadzinga kubva mumba mangu. Handichazovadizve, vatungamiri vavo vose vakapanduka.

16. Efuremu arohwa, mudzi wavo, wasvava, havabereki chibereko. Kunyange vakabereka vana, ndichauraya vana vavo ivava vavanodisa.”

17. Mwari wangu achavaramba nokuti havana kumuteerera; vachava vadzungairi pakati pendudzi.