Testamende Yekare

Testamende Itsva

Hosea 8:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Isa hwamanda pamuromo wako! Gondo riri pamusoro pemba yaJehovha. nokuti vanhu vakaputsa sungano yangu uye vakapandukira murayiro wangu.

2. VaIsraeri vanodana kwandiri vachiti, ‘Haiwa, Mwari wedu, tinokuzivai!’

3. Asi Israeri akaramba zvakanaka; muvengi achamutevera.

4. Vanogadza madzimambo vasina kutenderwa neni; vanosarudza machinda pasina mvumo yangu. Vanozvigadzirira zvifananidzo nesirivha negoridhe ravo kuti vagoparadzwa.

5. Rasira kunze chifananidzo chako chemhuru, iwe Samaria! Kutsamwa kwangu kunopisa somoto pamusoro pavo. Vachasvika riniko vasingagoni kuzvichenesa?

6. Izvi zvinobva kuIsraeri! chimhuru ichi, chakagadzirwa nomupfuri, hachizi Mwari. Chichaputsika kuita zvimedu zvimedu, icho chimhuru cheSamaria.

7. “Vanodyara mhepo vachikohwa chamupupuri. Dzinde harina kubereka; haringaburitsi upfu. Dai raizobereka zviyo, vatorwa vaizvimedza.

8. Israeri yamedzwa; zvino yava pakati pendudzi sechinhu chisina maturo.

Verenga chitsauko zvakakwana Hosea 8