Testamende Yekare

Testamende Itsva

Hosea 7:8-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. “Efuremu anovhengana namarudzi; Efuremu chingwa chitete chisina kushandurwa.

9. Vatorwa vakamusveta simba rake, asi iye haazvizivi. Bvudzi rake rava kuchena, asi iye haazvicherechedzi.

10. Kuzvikudza kwaIsraeri kunomupupurira zvakaipa, asi kunyange zvakadaro iye haadzoki kuna Jehovha Mwari wake kana kumutsvaka.

11. “Efuremu akaita senjiva, inonyengereka zviri nyore uye isina njere, anodana kuIjipiti, anoenda kuAsiria.

12. Pavachaenda, ndichakandira mumbure pamusoro pavo; ndichavakwevera pasi seshiri dzedenga. Pandichavanzwa vachibhururuka pamwe chete, ndichavabata.

13. Vane nhamo, nokuti vakarasika vachibva kwandiri! Ngavaparadzwe, nokuti vakandipandukira! Ndinoshuva kuvadzikinura, asi vanondirevera nhema.

14. Havachemi kwandiri zvinobva pamwoyo yavo, asi vanoungudza vari panhoo dzavo. Vanounganira zviyo newaini itsva asi vanondifuratira.

15. Ndakavadzidzisa ndikavasimbisa, asi vanorangana kundiitira zvakaipa.

16. Havadzokeri kuna iye Wokumusoro-soro; vakafanana nouta hunonyengera. Vatungamiri vavo vachaparadzwa nomunondo, nokuda kwamashoko avo ounhubu. Nokuda kwaizvozvi vachasekwa munyika yeIjipiti.

Verenga chitsauko zvakakwana Hosea 7