Testamende Yekare

Testamende Itsva

Hosea 7:3-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. “Vanofadza mambo nezvakaipa zvavo, machinda nenhema dzavo.

4. Vose imhombwe, vanopisa sechoto, moto wacho usingadi mukanyi wechingwa kukuchidzira, kubva pakukanywa kwebundu rechingwa kusvikira chafuta.

5. Pazuva romutambo wamambo wedu machinda anorwara nokuda kwewaini, uye iye akabatana navaseki.

6. Mwoyo yavo yakafanana nechoto; vanouya kwaari nounyengeri, ruchiva rwavo runonyeketa somoto usiku hwose; mangwanani ruchizopfuta serimi romoto.

7. Vose zvavo vanopisa sechoto; vanoparadza vatongi vavo. Madzimambo avo ose anowira pasi, uye hapana kana mumwe wavo anodana kwandiri.

8. “Efuremu anovhengana namarudzi; Efuremu chingwa chitete chisina kushandurwa.

9. Vatorwa vakamusveta simba rake, asi iye haazvizivi. Bvudzi rake rava kuchena, asi iye haazvicherechedzi.

10. Kuzvikudza kwaIsraeri kunomupupurira zvakaipa, asi kunyange zvakadaro iye haadzoki kuna Jehovha Mwari wake kana kumutsvaka.

11. “Efuremu akaita senjiva, inonyengereka zviri nyore uye isina njere, anodana kuIjipiti, anoenda kuAsiria.

Verenga chitsauko zvakakwana Hosea 7