Testamende Yekare

Testamende Itsva

Hosea 7:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pose pandichaporesa Israeri, zvivi zvaEfuremu zvichaiswa pachena uye mhosva dzeSamaria dzichabudiswa pachena. Vanoita zvounyengeri, mbavha dzinopaza dzimba, uye makororo anotorera vanhu zvinhu munzira;

2. asi havazivi kuti ndinorangarira zvakaipa zvose zvavanoita. Zvivi zvavo zvinovakomberedza; zvinoramba zviri pamberi pangu nguva dzose.

3. “Vanofadza mambo nezvakaipa zvavo, machinda nenhema dzavo.

4. Vose imhombwe, vanopisa sechoto, moto wacho usingadi mukanyi wechingwa kukuchidzira, kubva pakukanywa kwebundu rechingwa kusvikira chafuta.

Verenga chitsauko zvakakwana Hosea 7