Testamende Yekare

Testamende Itsva

Hosea 4:14-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. “Handizorangi vanasikana venyu pavanotendeukira kuufeve, kana varoora venyu pavanoita upombwe, nokuti varume pachavo vanoenda kuzvifeve. Uye vanobayira pamwe chete nezvifeve zvapanzvimbo dzinoereswa. Vanhu vasinganzwisisi vachasvika pakuparadzwa.

15. “Kunyange uchiita upombwe, iwe Israeri, usaita kuti Judha ave nemhosva. “Usaenda kuGirigari; usakwira uchienda kuBheti Avheni. Uye usapika uchiti, ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu!’

16. VaIsraeri vakasindimara, setsiru rakasindimara. Ko, zvino Jehovha achavafudza sei samakwayana pamafuro?

17. Efuremu akabatana nezvifananidzo; musiyei ari oga!

18. Kunyange zvokunwa zvavo pazvinenge zvapera, vanoramba vachiita ufeve hwavo; vatongi vavo vanoda kwazvo nzira dzinonyadzisa.

19. Chamupupuri chichavatsvairira kure, uye zvibayiro zvavo zvichavaunzira kunyadziswa.

Verenga chitsauko zvakakwana Hosea 4