Testamende Yekare

Testamende Itsva

Hosea 4:12-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. kwavanhu vangu vanobvunza chifananidzo chedanda uye vanopindurwa netsvimbo yomuti. Mweya woufeve unovatungamirira mukurasika, havana kutendeka kuna Mwari wavo.

13. Vanobayira pamusoro pamakomo uye vanopisira zvinonhuwira pazvikomo, pasi pemiouki, mipopura nemiterebhini, pane mimvuri yakanaka. Naizvozvo vanasikana venyu vanotendeukira kuufeve navaroora venyu kuupombwe.

14. “Handizorangi vanasikana venyu pavanotendeukira kuufeve, kana varoora venyu pavanoita upombwe, nokuti varume pachavo vanoenda kuzvifeve. Uye vanobayira pamwe chete nezvifeve zvapanzvimbo dzinoereswa. Vanhu vasinganzwisisi vachasvika pakuparadzwa.

15. “Kunyange uchiita upombwe, iwe Israeri, usaita kuti Judha ave nemhosva. “Usaenda kuGirigari; usakwira uchienda kuBheti Avheni. Uye usapika uchiti, ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu!’

16. VaIsraeri vakasindimara, setsiru rakasindimara. Ko, zvino Jehovha achavafudza sei samakwayana pamafuro?

17. Efuremu akabatana nezvifananidzo; musiyei ari oga!

Verenga chitsauko zvakakwana Hosea 4