Testamende Yekare

Testamende Itsva

Hosea 14:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Iwe Israeri, dzokera kuna Jehovha Mwari wako. Zvivi zvako ndizvo zvakakonzera kuwa kwako!

2. Endai namashoko uye mudzokere kuna Jehovha. Muti kwaari: “Regererai zvivi zvedu zvose mutigamuchire nenyasha, kuti tigopa zvibereko zvemiromo yedu.

3. Asiria haangatiponesi; hatingatasvi mabhiza ehondo. Hatizombotizve, ‘Vamwari vedu’ kune zvakagadzirwa namaoko edu chaiwo, nokuti nherera dzinowana nyasha mamuri.”

4. “Ndichaporesa kusateerera kwavo uye ndichangovada hangu, nokuti hasha dzangu dzabva kwavari.

5. Ndichava sedova kuna Israeri, achatunga seruva remahapa. Somusidhari weRebhanoni achadzikisa midzi yake;

Verenga chitsauko zvakakwana Hosea 14