Testamende Yekare

Testamende Itsva

Hosea 13:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Efuremu akati ataura, vanhu vakadedera; iye akakudzwa muIsraeri. Asi akava nemhosva yokunamata Bhaari uye akafa.

2. Zvino vanoramba vachingotadza; vanozviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo, zviri zvifananidzo zvakaumbwa nenjere dzavo, zvose ari mabasa emhizha. Pamusoro pavanhu ava zvinonzi, “Vanobayira zvibayiro uye vanotsvoda zviumbwa zvemhuru.”

3. Naizvozvo vachava semhute yamangwanani, sedova rinokurumidza kupera, sehundi inopeperetswa kubva paburiro, soutsi hunobuda napawindo.

4. “Asi ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti. Haungazovi nomumwe Mwari kunze kwangu; kana mumwe Muponesi kunze kwangu.

5. Ndakakuchengeta murenje, munyika inopisa kwazvo.

Verenga chitsauko zvakakwana Hosea 13