Testamende Yekare

Testamende Itsva

Hosea 12:9-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. “Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti; ndichakugarisaizve mumatende, sapamazuva emitambo yakatarwa.

10. Ndakataura kuvaprofita, ndikavapa zviratidzo zvizhinji uye ndikataura mifananidzo kubudikidza navo.”

11. Ko, Gireadhi yakaipa here? Vanhu vayo havana maturo! Vanobayira nzombe here paGirigari? Aritari dzavo dzichava semirwi yamatombo mumunda wakarimwa.

12. Jakobho akatizira kunyika yeAramu; Israeri akashandira kuti awane mukadzi, uye kuti amuwane akafudza makwai.

13. Jehovha akashandisa muprofita kuti abudise Israeri kubva muIjipiti, nomuprofita akavachengeta.

14. Asi Efuremu akamutsamwisa zvikuru kusvikira ashatirwa; Ishe wake achaisa paari mhosva dzake dzokudeura ropa uye achamupa mubayiro wokuzvidza kwake.

Verenga chitsauko zvakakwana Hosea 12