Testamende Yekare

Testamende Itsva

Hosea 12:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Efuremu anodya mhepo; anodzingana nemhepo yokumabvazuva zuva rose uye anowedzera nhema pamwe chete nechisimba. Anoita sungano neAsiria, uye anoendesa mafuta omuorivhi kuIjipiti.

2. Jehovha ane mhaka yaanopa Judha; acharanga Jakobho maererano nenzira dzake uye achamupa mubayiro maererano namabasa ake.

3. Muchizvaro akabata chitsitsinho chomukoma wake; somunhu akaita mutsimba naMwari.

4. Akaita mutsimba nomutumwa akamukurira; akachema akakumbira kuti anzwirwe nyasha naye. Akamuwana paBheteri akataura naye ipapo,

5. Jehovha Mwari Wamasimba Ose, Jehovha ndiro zita rake raanozivikanwa naro!

6. Asi unofanira kudzokera kuna Mwari wako; chengetedza rudo nokururamisira, uye umirire Mwari wako nguva dzose.

7. Mutengesi anoshandisa chiero chinonyengera; anofarira kubiridzira.

8. Efuremu anozvikudza achiti, “Ndakapfuma kwazvo; ndazova mupfumi chaiye. Noupfumi hwangu hwose havangawani mandiri chakaipa chipi zvacho kana chivi mukati mangu.”

9. “Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti; ndichakugarisaizve mumatende, sapamazuva emitambo yakatarwa.

10. Ndakataura kuvaprofita, ndikavapa zviratidzo zvizhinji uye ndikataura mifananidzo kubudikidza navo.”

Verenga chitsauko zvakakwana Hosea 12