Testamende Yekare

Testamende Itsva

Hosea 1:4-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Ipapo Jehovha akati kuna Hosea, “Mutumidze zita rokuti Jezireeri, nokuti ndava kuda kuranga imba yaJehu zvino nokuda kwavanhu vakaurayiwa paJezireeri, uye ndichagumisa umambo hwaIsraeri.

5. Pazuva iro ndichavhuna uta hwaIsraeri mumupata weJezireeri.

6. Gomeri akabatazve pamuviri ndokubereka mwanasikana. Ipapo Jehovha akati kuna Hosea, “Mutumidze zita rokuti Ro-Ruhama, nokuti handichazoratidzizve rudo kuimba yaIsraeri, kuti nditombovaregerera.

7. Asi ndicharatidza rudo kuimba yaJudha; uye ndichavaponesa, kwete nouta, munondo kana kurwa, kana namabhiza kana navatasvi vamabhiza, asi naJehovha Mwari wavo.”

8. Mushure mokurumura Ro-Ruhama, Gomeri akaberekazve mumwe mwanakomana.

9. Ipapo Jehovha akati, “Mutumidze zita rokuti Ro-Ami, nokuti imi hamuzi vanhu vangu, uye ini handizi Mwari wenyu.

10. “Kunyange zvakadaro vaIsraeri vachava sejecha riri pamahombekombe egungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa. Paya pakanga panzi kwavari, ‘Hamuzi vanhu vangu,’ vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’

11. Vanhu veJudha navanhu veIsraeri vachabatanazve, uye vachasarudza mutungamiri mumwe chete uye vachasimukira panyika, nokuti zuva raJezireeri richava zuva guru.

Verenga chitsauko zvakakwana Hosea 1