Testamende Yekare

Testamende Itsva

Habhakuki 3:2-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Jehovha, ndakanzwa zvomukurumbira wenyu; haiwa Jehovha, ndinomira ndichitya mabasa enyu. Avandudzei pamazuva edu, panguva yedu ngaaziviswe; pakutsamwa kwenyu rangarirai tsitsi.

3. Mwari akabva kuTemani, iye Mutsvene akabva kuGomo reParani. Sera Umambo hwake hwakazadza matenga uye mbiri yake yakazadza nyika.

4. Kubwinya kwake kwakaita sokubuda kwezuva; bwerazuva hwakapenya huchibva muruoko rwake, makanga makavigwa simba rake.

5. Hosha yakaenda ichibva pamberi pake; denda rakatevera nhambwe dzake.

6. Akamira, akazungunusa nyika; akatarisa, akabvundisa ndudzi dzavanhu. Makomo akare kare akakoromoka uye zvikomo zvakare zvakawira pasi. Nzira dzake dzinogara nokusingaperi.

7. Ndakaona matende eKushani ari panhamo, nzvimbo dzokugara dzeMidhiani dziri pakutambudzika.

8. Ko, makanga matsamwira nzizi here, Makanga matsamwira zvikova here, nhai Jehovha? Makanga matsamwira gungwa here pamakafambisa mabhiza enyu nengoro dzenyu dzokukunda?

9. Makabudisa pachena uta hwenyu, mukadaidzira miseve mizhinji. Sera Makatsemura nyika nenzizi;

10. makomo akakuonai akadedera. Mvura zhinji yakapfuura; kudzika kwakatinhira kukasimudza mafungu pamusoro.

11. Zuva nomwedzi zvakambomira kumatenga zvichiona kuvaima kwemiseve yenyu yaipfuura, zvichiona kupenya kwepfumo renyu rinobwinya.

Verenga chitsauko zvakakwana Habhakuki 3