Testamende Yekare

Testamende Itsva

Habhakuki 3:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Makauya kuzonunura vanhu venyu, kuzoponesa muzodziwa wenyu. Makaparadza mutungamiri wenyika yavakaipa, mukamufukura kubva kumusoro kusvika kutsoka. Sera

14. Nepfumo rake chairo makabaya musoro wake, pakauya varwi vake sechamupupuri kuzotiparadzira, vachifara savanoda kuparadza vanotambudzika vakanga vakavanda.

15. Makatsika-tsika gungwa namabhiza enyu, mukabvongodza mvura zhinji.

Verenga chitsauko zvakakwana Habhakuki 3