Testamende Yekare

Testamende Itsva

Habhakuki 2:2-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Ipapo Jehovha akapindura achiti, “Nyora chiratidzo ichi, uite kuti chionekwe kwazvo pamahwendefa kuti anoverenga agoverenga achimhanya.

3. Nokuti chiratidzo ichi chakamirira nguva yakatarwa; chinotaura nezvamagumo uye hachingarevi nhema. Kunyange dai chikanonoka, chimirire; zvirokwazvo chichauya, hachizononoki.

4. “Tarira, ana manyawi; zvido zvake hazvina kururama, asi akarurama achararama nokutenda kwake.

5. Zvirokwazvo, waini inomupandukira; anozvikudza uye haazombozorori. Nokuti anokara sezvinoita guva (Sheori) uye sorufu haaguti, anozviunganidzira ndudzi dzose uye anotapa marudzi ose avanhu.

6. “Ko, vakatapwa vose havangazomuseki here nezvirahwe zvokumushora vachiti, “ ‘Ane nhamo anozviunganidzira zvakabiwa achizvipfumisa nepfuma yakapambwa! Zvicharamba zvakadai kusvikira riniko?’

7. Ko, vamakakwereta havangazosimuki pakarepo here? Havangazomuki vakakuvhundutsai here? Ipapo ndimi muchava vakapambwa.

8. Nokuti makapamba ndudzi zhinji, vakasara vachakupambai, nokuda kweropa ravanhu ramakateura; makaparadza nyika namaguta pamwe chete navageremo.

9. “Ane nhamo anovaka umambo hwake nepfuma yakabiwa achivaka dendere rake pakakwirira, kuti apukunyuke panjodzi!

10. Makarangana kuparadza ndudzi dzakawanda, muchinyadzisa imba yenyu, nokuparadza upenyu hwenyu.

11. Mabwe ari murusvingo achadanidzira, ipapo matanda edenga remba achadairira namaungira.

12. “Ane nhamo anovaka guta nokudeura ropa uye anosimbisa guta nezvakaipa.

13. Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha Wamasimba Ose here kuti vanhu vanoshandira zvinoparadzwa nomoto, uye kuti marudzi avanhu anongozvinetsa nezvisina maturo?

14. Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, sezvakaita mvura kuzadza kwayakaita gungwa.

15. “Ane nhamo anopa vavakidzani vake zvinodhaka, achizvidurura kubva mumatende ewaini kusvikira vadhakwa, kuti aone kushama kwavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Habhakuki 2