Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 9:7-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. “Kana murimi, berekanai uye muwande; muwande panyika uye muwande kwazvo pamusoro payo.”

8. Ipapo Mwari akati kuna Noa navanakomana vaaiva navo,

9. “Zvino ndava kusimbisa sungano yangu newe uye nezvizvarwa zvako zvinotevera,

10. uye nezvisikwa zvipenyu zvose zvakanga zvinewe, shiri, zvipfuwo nemhuka dzose dzesango, dzose dziya dzakabuda newe muareka, zvisikwa zvipenyu zvose zviri panyika.

11. Ndiri kusimbisa sungano yangu newe: Zvipenyu zvose hazvichatongoparadzwizve nemvura yamafashamu; hakuchatongovizve namafashamu okuti aparadze nyika.”

12. Uye Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandiri kuita pakati pangu nemi nezvisikwa zvose zvipenyu zvinemi, sungano yamarudzi ose ari kuzouya:

13. Ndaisa muraravungu wangu mumakore, uye uchava chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika.

14. Pose pandinouyisa makore, pamusoro penyika, uye muraravungu ukaonekwa mumakore,

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 9