Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 8:5-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Mvura yakaramba ichiserera kusvikira pamwedzi wegumi, uye pazuva rokutanga romwedzi wegumi misoro yamakomo yakatanga kuonekwa.

6. Shure kwamazuva makumi mana, Noa akazarura windo raakanga aita muareka,

7. uye akatuma gunguo, uye rakaramba rechibhururuka kuno nokoko kusvikira mvura yapwa panyika.

8. Ipapo akatuma njiva kuti aone kana mvura yakanga yaserera kubva pamusoro penyika.

9. Asi njiva haina kuwana nzvimbo yokumhara nokuti mvura yakanga iri pose pose; saka yakadzokera kuna Noa muareka. Iye akatambanudza ruoko rwake akadzorera njiva muareka maaiva.

10. Akarindira kwamamwezve mazuva manomwe uye akabudisazve njiva muareka.

11. Njiva yakati yadzokera kwaari panguva yamanheru, onei heyo mumuromo mayo yakaruma shizha nyoro rakatanhwa pamuorivhi! Ipapo Noa akaziva kuti mvura yakanga yaserera panyika.

12. Akamirirazve kwamamwe mazuva manomwe uye akabudisazve njiva, asi panguva iyi haina kuzodzoka kwaari.

13. Pazuva rokutanga romwedzi wokutanga wegore ramazana matanhatu nerimwe aNoa, mvura yakanga yapwa panyika. Ipapo Noa akabvisa chifukidziro cheareka akaona kuti pamusoro penyika pakanga paoma.

14. Pazuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi wechipiri nyika yakanga yaoma kwazvo.

15. Ipapo Mwari akati kuna Noa,

16. “Budai muareka, iwe nomukadzi wako navanakomana vako navakadzi vavo.

17. Budisa mhando dzose dzezvisikwa zvipenyu zvaunazvo, shiri, mhuka nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika, kuitira kuti zvibereke uye zvive zvizhinji pamusoro payo.”

18. Saka Noa akabuda, pamwe chete navanakomana vake nomukadzi wake uye navakadzi vavanakomana vake.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 8