Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 7:20-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Mvura zhinji yakasimuka ikafukidza makomo kusvikira pamakubhiti gumi namashanua kudzika kubva pamusoro pawo.

21. Zvipenyu zvose zvinokambaira panyika zvakaparara, shiri, zvipfuwo, mhuka dzesango, zvisikwa zvose zvakafararira pamusoro penyika, namarudzi ose avanhu.

22. Zvinhu zvose zvakanga zvino kufema kwoupenyu mumhino dzazvo panyika zvakafa.

23. Zvinhu zvose zvipenyu zvaiva pamusoro penyika zvakaparadzwa, vanhu nemhuka, nezvisikwa zvinokambaira panyika neshiri dzedenga zvakaparadzwa kubva panyika. Noa bedzi ndiye akasiyiwa navaya vaiva naye muareka.

24. Mvura zhinji yakafukidza nyika kwamazuva makumi mashanu.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 7